Acts 2

Mweya Mutsvene Unoburuka paPendekosti

1Zuva rePendekosti rakati rasvika, vakanga vakaungana vose panzvimbo imwe chete. 2Pakarepo kutinhira sokwemhepo inovhuvhuta nesimba kwakabva kudenga kukazadza imba yose yavakanga vagere. 3Vakaona zvakanga zvakaita sendimi dzomoto dzakaparadzana uye dzakamhara pamusoro pomumwe nomumwe wavo. 4Vose vakazadzwa noMweya Mutsvene vakatanga kutaura nedzimwe ndimi sokupiwa kwavakaitwa noMweya.

5Zvino muJerusarema maigara vaJudha vaitya Mwari vaibva kundudzi dzose pasi pedenga. 6Vakati vanzwa kutinhira uyu, vazhinji vakaungana pamwe chete vachishamiswa, nokuti mumwe nomumwe akavanzwa vachitaura norurimi rwake chairwo. 7Vakashamiswa kwazvo, vakabvunzana vachiti, “Ko, vanhu ava vose havasi vaGarirea here vari kutaura? 8Zvino seiko mumwe nomumwe wedu achivanzwa nomutauro waakaberekwa nawo? 9VaPatio, vaMedhia navaEramu; navanogara kuMesopotamia, Judhea neKapadhokia, Pondasi neEzhia, 10Firigia nePamufiria, Ijipiti namativi eRibhia pedyo neKureni; vaeni vanobva kuRoma 11(zvose vaJudha navakatendeukira kuchiJudha); vaKirete navaArabhu, tinovanzwa vachitaura zvishamiso zvaMwari nendimi dzedu chaidzo!” 12Vakakatyamara uye vakakanganisika, vakabvunzana vachiti, “Zvinoreveiko izvi?”

13Kunyange zvakadaro, vamwe vakavaseka vakati, “Vanwa waini yakawanda.”

Petro anoparidzira Vazhinji

14Ipapo Petro akamira pamwe chete navane gumi nomumwe, akadanidzira kuvanhu vazhinji achiti, “Hama imi vaJudha nemi mose mugere muJerusarema, regai ndikutsanangurirei chinhu ichi; nyatsoteererai mashoko angu. 15Vanhu ava havana kudhakwa sezvamunofungidzira zvaichiri nguva yepfumbamwe mangwanani kudai! 16Kwete, izvi ndizvo zvakataurwa nomuprofita Joere achiti,

17“ ‘Mumazuva okupedzisira,’ ndizvo zvinotaura Mwari,
‘ndichadurura Mweya wangu pamusoro pavanhu vose.
Vanakomana navanasikana venyu vachaprofita,
majaya enyu achaona zviratidzo,
vatana venyu vacharota hope.
18Kunyange napamusoro pavaranda vangu, zvose varume navakadzi,
ndichadurura Mweya wangu mumazuva iwayo,
uye vachaprofita.
19Ndicharatidza zvishamiso kudenga kumusoro,
nezviratidzo panyika pasi,
ropa nomoto uye nemhute youtsi.
20Zuva richashanduka rikava rima,
uye mwedzi uchashanduka ukava ropa,
zuva guru raShe uye rinobwinya risati rasvika.
21Uye ani naani anodana kuzita raShe achaponeswa.’
22“Imi vaIsraeri, teererai izvi: Jesu weNazareta akanga ari murume akaratidzwa kwamuri naMwari namabasa esimba, nezvishamiso uye nezviratidzo, zvakaitwa naMwari pakati penyu kubudikidza naye, sezvamunoziva imi pachenyu. 23Murume uyu akaiswa mumaoko enyu nourongwa uye nokuziva zviri mberi kwaMwari; uye imi, mukamuroverera pamuchinjikwa muchibatsirwa navanhu vakaipa. 24Asi Mwari akamumutsa kubva kuvakafa, akamusunungura kubva pakurwadza kworufu, nokuti zvakanga zvisingagoni kuti rufu rumubate. 25Dhavhidhi akataura nezvake achiti:

“ ‘Ndakaona Ishe mberi kwangu nguva dzose.
Nokuti ari kuruoko rwangu rworudyi,
handingatongozungunuswi.
26Naizvozvo mwoyo wangu unofara uye rurimi rwangu runofarisisa;
uyezve muviri wangu uchararama netariro,
27nokuti imi hamuzondisiyi muguva,
uye hamungaregi Mutsvene wenyu achiona kuora.
28Makandizivisa nzira dzoupenyu;
muchandizadza nomufaro pamberi penyu.’
29“Hama, ndingakuudzai ndiine chokwadi kuti tateguru wedu Dhavhidhi akafa akavigwa, uye guva rake richiri pano kusvikira nhasi. 30Asi akanga ari muprofita uye aiziva kuti Mwari akanga amuvimbisa nemhiko kuti aizogadza mumwe wezvizvarwa zvake pachigaro choushe. 31Achiona zviri mberi, akataura nezvokumuka kwaKristu, kuti akanga asina kusiyiwa muguva, uye muviri wake hauna kuona kuora. 32Mwari akamutsa Jesu uyu kubva kuvakafa, uye isu tose tiri zvapupu zvacho. 33Akasimudzirwa kuruoko rworudyi rwaMwari, akagamuchira kubva kuna Baba chipikirwa choMweya Mutsvene uye akadurura izvi zvamuri kuona nokunzwa iye zvino. 34Nokuti Dhavhidhi haana kukwira kudenga, asi iye akati:

“ ‘Ishe akati kuna She wangu:
“Gara kuruoko rwangu rworudyi
35kusvikira ndaita kuti vavengi vako
vave chitsiko chetsoka dzako.” ’
36“Naizvozvo vaIsraeri vose ngavazive izvi: Jesu uyu, wamakaroverera pamuchinjikwa, Mwari akamuita Ishe naKristu.”

37Vanhu vakati vachinzwa izvozvo, vakabayiwa pamwoyo vakati kuna Petro navamwe vapostori, “Hama, tichaiteiko?”

38Petro akapindura akati, “Tendeukai mubhabhatidzwe, mumwe nomumwe wenyu, muzita raJesu Kristu kuti muregererwe zvivi zvenyu, uye mugogamuchira chipo choMweya Mutsvene. 39Chipikirwa ndechenyu navana venyu navose vari kure, navose vachazodanwa naShe Mwari wedu.”

40Akavayambira namamwe mashoko mazhinji; uye akavakumbirisa achiti, “Muzviponese parudzi urwu rwakaora.” 41Avo vakagamuchira shoko rake vakabhabhatidzwa, uye pazuva iro, vanhu vanenge zviuru zvitatu vakawedzerwa pauwandu hwavo.

Kuwadzana kwaVatendi

42Vakazvipira pakudzidzisa kwavapostori napakuwadzana, pakumedura chingwa uye napakunyengetera. 43Vanhu vose vakabatwa nokutya, uye zvishamiso zvizhinji nezviratidzo zvakaitwa navapostori. 44Vatendi vose vaiva pamwe chete uye vakagoverana zvinhu zvose. 45Vachitengesa zvavaiva nazvo nenhumbi dzavo, vakapa kuna ani naani aishayiwa. 46Mazuva ose vairamba vachiungana pamwe chete mutemberi. Vaimedura chingwa mudzimba dzavo uye vachidya pamwe chete nomufaro uye nomwoyo wakanaka, 47vachirumbidza Mwari uye vachidikanwa navanhu vose. Uye Ishe akawedzera pauwandu hwavo zuva rimwe nerimwe avo vakanga vachiponeswa.

Copyright information for SnaBDSC